a close up of a flower

Stakeholder Response Mechanism/Shona


Ve UNDP tiripo pakuterera. Kana pane projekiti kana kuti chirongwa che UNDP chaunotenda kuti chiri kukanganisa magariro kana zvakakupoteredza/ nharaunda, wakasununguka kutaura kana kutizivisa kuburikidza nenzira dzakanyorwa  mundima dzinotevera.

Ndiani anogona kutumira chichemo?

Ani nani angave akanganiswa nechirongwa cheUNDP muZimbabwe anogona kusvitsa chichemo chake. Izvi zvinosanganisira vanhu, uye nharaunda dzinogona kukanganiswa kana kusvibiswa nechirongwa cheUNDP. Unogonawo kuva nemumiriri anokwanisa kukusvitsira chichemo.

Nzira dzekusvitsa nadzo zvichemo. Kuti chichemo chisvike unokwanisa kuuya kuma hofisi e UNDP, kana kunyora tsamba kana kutumira email inoti; stakeholder.zim@undp.org. Kana uchisvitsa chichemo kuburikidza ne tsamba kana kuti email, nyora zvinotevera;

  • Zita renyu neKero yekwamuri
  • Wakasununguka kuvanza zita rako kana usingadi kuzivikanwa paunotanga kusvitsa chichemo/ nyunyuto yako (Asi haugone kuramba usingazivikanwi munguva yose yekugadzirisa chichemo/ nyunyuto)
  • Zita nenzvimbo yechirongwa cheUNDP (kana ichizivikanwa) chirikukukanganisai
  • Tsanangura kuti project kana kuti chirongwa  che UNDP kuti chirongwa chiri kukukanganisira sei?
  • Matanho api naapi awakatotora kuti ugadzirise zvirikunetsa
  • Wakasunguka here kushanda nevamwe kutsvaga mhinduro kana kugadzirisa zvirikunetsa
  • (Kana uri mumiririri wevagari arikutumira chichemo) ratidza umbowo hwekuti vagari vemunharaunda vanokutendera kuvamiriria

Ndezvipi Zvichemo Zvakakodzera?

Chichemo kana chinyunyuto chinokodzera kugashirwa nenzira dzakapiwa ndechinotevera:

  • Chinechekuita nepurojekiti yazvino kana yakarongwa yeUNDP.
  • Chinotsanangura kuti purojekiti yakakonzera sei, kana kuti inogona kukonzera sei, kana kukanganisa kwemagariro, hupfumi, kana nharaunda.
  • Chinoratidza zvakaedza kuitwa kugadzirisa chichemo chacho zvikasabatsira, 

Zvichemo zvinotevera hazvigamushirwe nenzira ye email yakanyorwa nekuti zvinedzimwe nzira dzazvinogashirwa nadzo

  • Zvichemo zvehuwori kana umbavha.
  • Zvichemo zvine chekuita nekutengwa kweUNDP kana basa.
  • Zvichemo maererano nemapurojekiti asiri eUNDP, nemabasa asiri kuitwa neUNDP mumaprojeti yemubatanidzwa.
  • Zvichemo zvema project akapera.
  • Dzokororo yezvichemo zvakambogadziriswa kunze kwekunge paine ruzivo rutsva rwakakosha.

Taura nesu
Kuti uwane rumwe ruzivo kana kutumira chichemo:

Nyorai tsambambozha: stakeholder.zim@undp.org 
Ridzai runhare: +263 242 33 88 36 - 44, +263 772 134068-9
Shanyai: Block 10, Arundel Office Park, Norfolk Road, Mount Pleasant, Harare, Zimbabwe.

(UNDP haitambire vanonyora vachitsvaga mabasa pa stakeholder.zim@undp.org. Vosevanoda vanoda kuziva ne zvemabasa munokurudzirwa kushandisa: UNDP Careers.)